Registered under the National Arts Council of Zimbabwe

05 August 2010

Kudzimba Kwazvo

Na Phillip Chidavaenzi

Ko ini ndini ndadii?
Ko, unondirwadzisirei zvakadai?
Hausi iwe here wakauya kwandiri,
Ukati unotambanudza ruoko kwandiri,
Ndashaya mari yechikoro?
Kuna mai vangu ndiwe wakaenda,
Ukati hatingadyi nhoko dzezvironda iwe uripo –

Musi uya wakandibata mukaka,
Zuro ukandibata magaro,
Ini ndikazviti mwii
Ko handiti taidya kubva muruoko rwako?
Asi kunanzva hakuna kukugudza
Waida kumedza
Asi inyota rudzii murume mukuru?

Nhasi wandivharira mumba mako,
Ukandiita mukadzi,
Ukandibvisa umhandara zvine chisimba,
Waiti kuchema kwangu kuchemerera?
Waiti kuhwihwidza kwangu kushinyira nekuzipirwa?
Yangu mhosva ndeyeiko?
Yeurombo?
Kubhadharirwa chikoro here?
Ko, wakadii kundikumbira zvakanaka
Kana ndaikushaisa hope?

© P. Chidavaenzi, August 4, 2010.

1 comment: