Registered under the National Arts Council of Zimbabwe

WIN Online Lectures Program



WIN-ZIM HOLDS THIRD ONLINE LECTURE


Writer Tinashe Muchuri reading from his manuscript ‘Chibarabada’ at a literary function some years ago before it was published

In the evening of March 6, 2019, the ever-growing Winzim Superclassic Whatsapp group held its third Online Lecture facilitated by Tinashe Muchuri, an actor, poet, storyteller, journalist, editor and novelist.
WIN executive member and published Christian author Stella Chegovo chaired the whole session which was dedicated to the late great Zimbabwean writer Dr. Charles Mungoshi. Although the session did not involve any specific analysis of his works or life, WIN simply felt it necessary to assure Mungoshi, who’s now gone, that the seed he sowed at BWAZ is still growing.
Muchuri’s topic “Shona Novel Writing Skills” aimed at equipping the budding and intermediate authors with some basic skills and knowledge they need in their career. The question-and-answer lecture opened more space for identifying the chief challenges the authors faced when writing a novel in their mother language.
And Muchuri, nicknamed ‘Chibarabada’ after his Shona novel, generously addressed each author’s question with sound answers. To do justice to the lecture which was conducted in our mother language, we publish below snippets, edited for clarity, from the wonderful moment Muchuri shared with the authors:



Lazarus Sauti: Maswera sei VaMuchuri. Ndingadawo kuziva musiyano uripo panyayapfupi nenovheru. Munhu kana achinyora nyayapfupi, ndezvipi zvaanotarisirwa kuita kuti nyaya yake ibude zvakanaka?

Brighton Simbarashe Chiguma: Makadini VaMuchuri. Ini ndinokumbira kubvunza kuti nyaya dzinematingindira api dzatinganyora mumanovel dzinoita kuti mbongorori dziti iri ibhuku rinokodzera kupiwa menduru kana kudzidzwa nerudzi rwunotevera?

Tinashe Muchuri: Nyaya pfupi inyaya iyo yakanangana nezvirikutoitika panguva iyoyo uye haivhundunyuri nhoroondo yevatambi. Kana kune nhoroondo yevatambi yakananga kutsigira chiitiko chirikuitika ichi chatakatarisana nacho. Novero inyaya inotora nguva refu, makore, gore uye vatambi vanovandudzwa zvekutosvika pakuziva upenzi, upengo, ungwaru, hudhakwa nezvimwe zvizhinji. Tsvakurudzo kutanga. Mutauro wevatambi.Kubata mutauro wevatambi. Kushandisa hurukuro nenzira inotendeseka. Hapana mukana wekutenderera uchidonongodza mamirire ekunze asi kunangana nenyaya. Tinowana vatambi vatova munyaya nechekare. Nyaya yakahadzisa moyo wako, nyaya yadzimba moyo wako, nyaya yabata moyo wako, ndiyo nyaya inobata mbongorori sekubata kwainenge yakuita iwewe. Iyoyo ndiyo nyaya ine udzamu. Vamwe vanogona kumanya nenyaya yerudo, dzeutikitivha, asi kune mamwe madingindira anenge achitambudza vanhu akaita sekushamwaridzana kwevadiki mumukore uno wemukondombera, ko chinamato chekubudirira neminana, ko mhuri mumukore wekupatsanuka kwemhuri, wanano mumukore wekurambana kwadai kutandira.Uye chikuru kugona kuvhunza muvhunzo. Usanetseka nekudaira muvhunzo wacho. Iwe vhunza muvhunzo, kuti vaunovhunza muvhunzo  naivowo vagozvivhunza muvhunzo. Ukadaro unosvika. Kana uri munyori, usamira kurava manovhero avamwe.Izvi zvinovandudza manzwisisiro aunoita novhero.

Tendai Chinhoro: Mazuvano kune mabhuku ari kunyorwa achinzi ‘Season 1’, ‘Season 2’, ‘Season 3’, zvichidaro... Mubhuku imomo unozowana kuti mune mabhuku 3 kana 4. Zvii zvamungataure vaMuchuri panyaya yekupedza kana kuti  kupendera nyaya yako.

Tinashe Muchuri: Mabhuku iwayo anenge achiunzwa muzvikamu zvinoreva kuti Season 1 chidimbu chebhuku. Nyaya inopendereka ndokunge iyo yabvuma kuramba ichitatamurwa. Handiti wakamboona kuti kuChirungu vanopatsanura bhuku rimwe richinzi bhuku 1 kana kutosvika kubhuku 3.
Asi zvakadero, novhero iyoyo ichiwana mupendero wakaisvonaka. Hondo hombe ndeye vanyori vanoti zvavanyora ndizvo chero vatsveyamisa mafambiro enyaya.

Tendai Chinhoro: Vazhinji vari kuzorasa nyaya yavo nenyaya dzema season idzi! Kunenge kwakubuda dzimwe nyaya dzisinganangi paupenyu hwa main character.

Tinashe Muchuri: Kana nyaya yako ichifamba munguva yekuoma kwehupfumi, hondo, nzara, maguta , pane zvinhu zvechokwadi zvisingadi kufurudzira. Ziva kuti nhovhero yako hutori hwaro hwenhoroondo. Iyo novhero inofanira kuva nehochekoche kubva kumavambo kusvika kumagumo. Pakashaiwa hochekoche wanzvenga nyaya, novhero yako inoita mbodza.

Tendai Chinhoro: If I want to write about a political leader, is it advisable to include his/her pre-independence life and his/her post-independence life in Zimbabwe in one story?

Tinashe Muchuri: Kana uine tsika imwe yausinganzwisisi, tsvagurudza kusvika wawana chokwadi kuitira kuti usava munyepi. Hanzi naDr Charles Mungoshi zvaunonzwa iwe chaizvo zvinoita kuti waunorondodzera ape kutenda kuti basa rakabatwa. Unenge uchinyora nezvenguva ipi yeupenyu hwake. Kune vakawanda vakanyora pamusoro pake nenzira dzakasiyana, iwe unenge wakanangana nenhoroondo kana kuti unoda kungomutora semutambi munyaya yako here?

Tendai Chinhoro:   Ngatitii urikuda kubudisa ugamba hwake. 

Tinashe Muchuri: Novhero inokukumbira kuti utipe kuziva mutambi kubva achimudiki, zvaanodya, zvaaifarira ari mudiki, vaaitamba nawo, zvaaifarira kuita. Unogona kubvira pakubarwa, achitambirwa nananyamukuta kusvika paunoda kusvikanenyaya yako.

Beaven Tapureta: Dambudziko redzokororo yema "themes" ringapedzwe sei? Unoona vanyori vashanu vachinyora chinhu chimwe - for example, witchcraft?

Tendai Chinhoro: Or kunetsana kwavamwene nemuroora.

Tinashe Muchuri:Kurava manovhero avamwe zvinokupa muono wokuti usiye nyaya yakatsokotedzwa. Zvakadero unogona kunangana nerimwe divi rehuroyi, mhando yehuroyi isati yabatwa.Ukadaro wavandudza rungano rweuroyi. Kune vazhinji vanonyorawo dzepasichigare vakanangana nenhau yekubvutirana ushe sekunge kwaisava nerudo, kutandara mumabira nezvimwe. Kunge wauya neimwe nzira isati yambonyorwa, unoyambuka. Munyori vandudza novhero. Nonga dingindira risati rambobatwa.

Oscar Gwiriri: Umm VaMuchuri sei muri kuita kunge makaverenga novel rangu “Hatiponi”. Kubva mati nemo-nemo patsanangudzo!

Tinashe Muchuri: Handisati ndariona. Kungotaura zvinoitika mukunyora umu!

Beaven Tapureta: VaMuchuri, sei makasarudza novel panyaya ye ‘Chibarabada’ musina kungoita short story (nyaya pfupi)? Chii chinoita kuti munyori ade kunyora nyaya yake iri mu ‘novel’?

Tinashe Muchuri: Novhero haidi kukotsira. Inoda kusvunura. Kuitira hochekoche ibude zvakanaka. Chibarabada kakatanga kari kanyaya kadiki. Zvisinei kakaramba kondidaidza kuti ndikavandudze kusvika kava nganoyorwa Chibarabada. Zvisinei ini ndinofarira kutaura zvakatambanuka. Nekudaro nganonyorwa inondipa kudekara nekurudunyuka pasina kutya.Vatambi ngavaonekwe vachifamba panyika vachidya zvine munyu uye zvine shuga.Vamwe vatambi unoshaya kuti vanobvepi vachiendepi. Tipei vatambi vanobatika. Tipei vatambi vanorarama. Tipei vatambi vanofambisa nyaya. Kana uchida kusanganisa vatambi zvive zvokuti, Chirungu chiri pakati pehurukuro yevatambi asi murondedzeri wenyaya achishandisa Shona. Kana wada kumuita mu ''salad', ibva watiumbira murondedzeri anotendeseka.

Pumulani Chipandambira: VaMuchuri, muna Chibarabada ko nei munyaya yenyu makazara ngano, nyaya yenyu inongoerera serwizi rwuzere, rwusina parwunombo femawo napo (chapters)… Makazviitiirei? Semuverengi, mupepeti nemunyori, ndezvipi zvamakadzidza mukuverenga maNovhero avaMungoshi?

Greyton K Muzangaza: Chii chinonyatsotarisirwa pakunyora chikamu chokutanga paBhuku?

Oscar Gwiriri: Munoti chii nekukwachurwa kunoitwa zvimwe zviitiko nema publishers izvo zvinoita kuti nyaya isare yave kamudzonga?

Tinashe Muchuri: Chibarabada ndakapinda muupenyu hwemunhu mutema weZimbabwe. Zvichida hameno makamboonawo tsamba ine zvitsauko? Ngano, nziyo ndiko kurondodzera kwedu nyaya. Enda parufu, chinoyedzesa usiku inziyo, nyambo, netwungano muchipembedza vatauri vadzo. Handina kusiya upenyu hwemutema. Kuna Dr C. Mungoshi ndakadzidza kusatevera dungwe. Ndakadzidza kutsauka muzhira huru ndichitora yangu. Ndakadzidza kukosha kwekuziva mutauro wekushandisa pakunyora. Ndakaziva kukosha kwetsvakurudzo. Pamusoro pezvose ndakadzidza kuseka uye kutandara navanhu vemazera ese. Ndipo patinoona vatambi vakuru vemubhuku. Uye ndipo patinoona nhamo iri kuda kurwiswa kana muvhunzo wasakisa munyori kunyora nyaya. Tinoona mamiriro erwendo rwatiri kupinda marwuri. Kana dziri nyaya dzemuchikoro, kana dzinopinda muzvikoro hanzi vanoda dzinofamba dzakati tasa. Chibarabada hanzi chinotambudza vazhinji. Vatsikisi ivavo vanokwachura-kwachura nyaya vari kuuraya kuvandudzwa kwenganonyorwa kana novhero yeChiShona. Zvimwe zvinobva nekusavandudzika kwevapepeti nekuti havasi vose vapepeti vanofarira kuvandudzika kwekunyora novhero.

Michelle: Kune mhando dzema novhero here?

Tinashe Muchuri: Dziriyo. Kune mhando yetsamba, koita mhando yerumbo rune korasi zvokuti mukafamba nenyaya munoona madzorwa kukorasi. Kune mhando yenhoroondo. Kohoita mhando yerungano mupfungwa, iyi inenge iri kudya kwepfungwa uye ichitambwa mupfungwa.

Tendai Chinhoro: Asi zvese izvi (monologue, letter, dreams etc.) zvinogona kuwanikwa mubhuku rimwechete here? KuAmerica hanzi munyori ukasakwanisa kupindura kuti genre rako nderipi (or ma genre ako) vanogona kutadza kukunzwisisa, ichokwadi here?

Tinashe Muchuri: Chaizvo. "Imbwa Yemunhu" (rakanyorwa na Ignatius Mabasa) ihope zvayo asi zvinobuda ipapo mutakunanzva mananzvisa munwe chaiwo.

Prosper Njeke: Ko nyaya pfupi inofanira kuva nemazwi mangani?

Tinashe Muchuri: Kubvira pamutsara wemazwi matanhatu, zvichienda kusiyana nekuti wada irebe zvakadii. Asi hazvo vamwe vanoti kubvira pamazwi 500.

Prosper Njeke: Ndatenda. Ndedzipi mhosho dzamunosangana nadzo pakupepeta mabhuku evanyori vachiri kukura dzavanofanira kuchenjerera?

Tinashe Muchuri: Kukanyanisa vatambi. Vatambi vanopiwa mazita asingaperi zvinodzungaidza muverengi, vanyori vanonyora nezvetsika dzavasingazivi vachinyepa. Kusanganisa zvirevo, kuva nenyaya isina hochekoche. Izvi zvimwe zvacho. Kunzvengana netsika namagariro. Kunyora munhu asina kuita tsvakurudzo...

Oscar Gwiriri: VaMuchuri sei zvichiita sekuti vanyori vatsva tinoita setinorwisana nevanyori vekare, uye tichifunga kuti tinobirirwa zvinyorwa zvedu. Izvi zvinovanzobuda pamisangano yevanyori. Dambudziko riri papi?

Tinashe Muchuri: Kutori kushaya zivo. Kufunga kuti iwe wakapenga iwe usina, hauna angakupanga mazano. Izvozvi ndizvo zvinopa kufungira zvisina basa. Kufungira kubirwa. Wozogona kuona kuti anoba hapana  kana wagarisana navo vachikuveza. Ini ndakavezwa navazhinji. Ndakavezwa naMungoshi, Chirere, Mabasa, Nyathi, Chinodya, Zimunya, Dangarembga, handingavapedzi kudoma na mazita avo. Ndakasangana nevanyori vakasiyana-siyana kusvika ndive pano. Nanhasi ndiri kuvezwa. Handisati ndasvika ipo.

Comfort Tichamupei Nyandoro: Vazhinji vanoona iri competition yevanyori vekare neveikozvino asi kwandiri ndinoona sekuti vadiki tinodzidza zvakawanda mukubatidzana navakuru ndokusaka makaona vaimbi vakuru savana Tuku vaibatana nevechidiki vanosanganisira Tockie, Garry Tight, Ex Q, nevamwe. It doesn't have to be a competition but kubatsirana. I personally believe in learning from vanyori vekare ivavo. Pane zvishoma zvandinoziva semunyori asi ndakabatsirwa nevanyori vekare ivava.

Tinashe Muchuri: Kutaura nyaya hakuna makwikwi. Kutambidzana. Ini ndikataura kusvika kurwizi, iwe wosimudzira kuenda kugomo, kumapako nekuninga.


Would you like to be part of the WINZIM Superclassic Group? Feel free to contact us.










No comments:

Post a Comment